Top News

Politics

Local News

Education

Crime and Courts

Business News

Entertainment

» » The Amendment Number II bittersweet

 

Ende zvakaoma. Less than 7km of the Makuti-Chirundu Rd being commissioned by a whole Head of State kkkk. Haa zvimwe zvacho zvozonyanya. Mazuva apera awo takaona achicheka ribbon yechi single-lane Bridge in Karanda kkk. Lime light inodiwawo paya zvakapfuura mwero. Taiti zvichaperera kuna Mr Bin Chinamasasa vakavhura Bin paya. Manje mukuru vatori kumberi manje, he can’t miss even the slightest of opportunities to leave Harare on a helicopter to officially open something kkk. Iyo yakazouya here helicopter itsva yatakahwa kunzi yakatengwa kuRussia neUS$18 million? Real US dollars ladies and gentlemen, not Mthuli and Mangudya’s bond notes.Asi dzaiva nhema kani? Iwo mabond enyu awaka, zvinhu zviri kungokwira chinyararire muzvitoro umu. And the shortages, oh no, it’s very bad.

 The last time I checked, there was no fresh milk in the shops for those who can afford to have tea this winter. No fresh milk. Zveshuwa chaizvo. Hanzi naJamwanda inyaya yekuti mombe dziri kukamwa munyika ishoma kkkk. Ahh hameno isu vana Mapombi toziveiwo hedu nezve economics. Ndezvana Jamwanda nana Mthuli izvi. Oh I see many of you here do not know kuti Jamwanda ndiyani kkkk manga mava kungotarisana ka. Endai paTwitter munoona kuti ndiyani, but rest assured he is a big somebody and what he speaks generally represent official government policy. That’s why I was disappointed that people opposed the Chilonga lucerne grass project. How could anybody in his right senses oppose a project that was supposed to uplift the community and create dairy animal feed? Look now we don’t even have enough milk on the shelves apa it’s winter time. Tomwa sei manje tea yacho isu vana Mapombi toda tea hobvu isu yakaimbwa naZexie Manatsa iya. Ndokunge taiwanawo zvedu tea yacho paChiristmas.

Anyway, enough of the shortages of milk, nhasi ndine nyaya yema official opening anoitwa nemukuru aya. Travelling all those kilometres with a large security detail to officially open a rehabilitated 6.5km section of an old highway built by whites back then kkk. And the rehabilitated section was not even financed by your government ladies and gentlemen kkkk, and not even financed by your self-imposed Chinese colonisers. It was financed by the Japanese government. Yes, Japan not China. Japan is a better colonizer I think, chete zvivanhu zvacho zvakafanana hazvo kumeso but I think Japana is better. Taifamba nei dai pasina zvipipipi zvinogadzirwa neToyota neHonda kuTokyo? Kkkk hanzi izvezvi someone is driving mapombi’s future car in Japan, Yes iriko ichauya hayo. I have never had of any local suffering inhumane abuse in Japanese-linked companies in Zimbabwe. But look at how locals are being treated by the Chinese ‘investors’ being protected by government in the mining industry and other sectors of the economy. Apa zviri kupedza kutyora hanzvadzi dzedu makumbo, Haiwa, regai ndizvinyarare, muromo ndimandiurayisa. Asi bhasopu muchazopepuka when Zimbabwe is already a mini-China, with Mandarin as one of the official languages. Hezvino ndiri pano.

Back kunyaya yema official opening aya andamboreva. Nhai zvinoitawo here mukuru kufambira kuzovhura chero Mortuary inotonhorera paGutu, kkkk zvatoitirwa isu, Zuro ndizuro he was officially opening a new bank. By the way there is nothing new about the bank kkk, it’s just the old Agribank which was rebranded kkkk. Oh no, it wasn’t even rebranded as such, it was just given its old Rhodesian name back kkk. For those who do not know history, what you know as Agribank today started way back in 1926 in Southern Rhodesia as Agricultural Finance Corporation (AFC). It was rebranded Agribank in 1999 but 21 years down the line, it gets its old Rhodesian name back, as if to imply that Rhodesian names and institutions were better than Zimbabwe’s kkk. Handisini ndadaro, ndiri kungokuudzai nhoroondo. Muzazoti kwahi heee kwava nebank idzva rakagadzirwa naED, musanyeperwa. His own banks are Empowerbank, Zimbabwe Women’s Microfinance Bank (ZWMB) and National Building Society (NBS) but some of them were initiated by Robert Mugabe, ED’s mentor and ‘father’. Regai timboona kuti anorama here kwenguva refu sezvakaita Agribank oh sorry AFC, with all this looting dziriko idzi. Remember Barbican, CFX, Allied Bank, ZAMBG, Trust, Time, Founders, Beverly etc etc.

Those are proudly Zimbabwean banks, most of them looted dry nana dumbuguru nanaTyson. Ehe vana Tyson ivava vava kuda kuzviita vatsvene vakagara kuSA mushure mekunge varobwa neOperation Restore Regacy. Tinyararire Tyson nevamwe vako. Ndimi vevamwe makauraya nyika ino imi. You promoted impunity during your time and looted the State through fake Community Share Ownership Schemes. Bumbiro remutemo maingoita zvamaida naro kkk, kuriita kanyama-kanyama chaiko. Ehe, iroro reku Lancaster ndorandiri kureva. Nhasi moti hee hee zvareverwei. Hezvo ngwena yenyu yaisa imwezve amendment. This is distressing. Amending for the umpteenth time a 7-year-old constitution mune shuwa here varume veZanu imi? Ahh sorry ndanga ndakanganwa, it’s not Zanu MPs and senantors alone who approved the changes, Mwonzora’s MPs and senators too. Ko nhai Togarasei, how then do you want to convince us that you are not captured by Zanu when you support something so undemocratic and regressive? Zvauriwezve wakanyora bumbiro racho namangwana naMagaisa. Wadirei mari nesimba kusvika pakutengesa mweya wako kudaro.

Now all the imperial powers that Mugabe enjoyed and which the 2013 constitution sought to dilute have yet again been brought back and given to ED to do as he pleases. Succession will once again be a destabilising factor for the whole country because the running mate clause has been discarded before it had even been implemented even once. It won’t be surprising to see another restore regacy in the future since succession will now depend on the whim of one man or woman as was the case during Mugabe’s ruinous era. Iyo restore regacy yakaoma, vana Mandiita Wefodya Mandi Chimene vaiti pwetere pwetere kana kumbozonzwa nezvavo futi kkkk. Hanzi nevamwe ari kubika magwinya kuBeira uko, achirova mbanje dzemugungwa kkkk. Varume kana tichine simba ngatirege kufarisa naro tichidzvanyirira vamwe. Mangwana rofuma rava ranguwo iwe wozomanya nemasango sezvakaita vana Mandi, nanaTyson, naChombo kkk. Ungambozoziva kuti ndiye Chombo uya aimbodinginda senda? Senge zundu riri mundove zvaro achidzinga mamayor achiisa masmall house ake kuma commission kkkk. Ndokufa kwakaita maguta ikoko. Koi iye Mboko hake kkk sorry I mean Mphoko. Dzakambozoenda nepiko dziya hii dai dzawanirwa nyasha dziya. Kubva dzangoti ziii samai vadzo Grace. Kkk chine vene vacho chinhu ichi, I have said it again and again. It’s a straightjacket; ask Gen Zvinavashe, May His Soul Rest in Peace.

 Chiregai ndiende ndinokanga maputi kuChitima uko, mabanana haasi kuora zvekummyanya nechando ichi ari kuita mashoma saka pamberi nemhanduu, aah sory, pamberi nemhandire kkkk, oti dzonakaka muchando. Kana Mphoko akadzoka pakuva VP pamwe ndingamwawo tea hobvu ndokunge mukaka wavamo muzvitoro umu. Mboko imboko!

About TellZim News

TellZim News; Keeping it Real...Committed to Tell Zimbabwe. No 39/40 Hellet Street, Masvingo. Call us on +263 39 262 401 email us on: editor@tell.co.zw
«
Next
Newer Post
»
Previous
Older Post

No comments

Leave a Reply